Nehemiah 11

Vagari veJerusarema Vatsva

1Zvino vatungamiri vavanhu vakagara muJerusarema, uye vamwe vanhu vose vakakanda mijenya kuti vasarudze mumwe chete kubva mugumi roga roga kuti andogara muJerusarema, guta dzvene, kwozoti vapfumbamwe vanenge vasara vachizogara mumaguta avo pachavo. 2Vanhu vakarumbidza varume vose vakanga vazvipira kugara muJerusarema.

3Ava ndivo vakuru vamatunhu vakandogara muJerusarema (zvino vamwe vavaIsraeri, vaprista, vaRevhi, vashandi vomutemberi nezvizvarwa zvavaranda vaSoromoni vakagara mumaguta aJudha, mumwe nomumwe panzvimbo yake mumaguta akasiyana-siyana, 4kwozoti vamwe vanhu vaiva vokwaJudha nokwaBhenjamini vakagara muJerusarema):

Vaibva kuzvizvarwa zvaJudha vaiti:
Ataya mwanakomana waUzia, mwanakomana waZekaria, mwanakomana waAmaria, mwanakomana waShefatia, mwanakomana waMaharareri, chizvarwa chaPerezi;
5naMaaseya mwanakomana waBharuki, mwanakomana waKori-Hoze, mwanakomana waHazaya, mwanakomana waAdhaya, mwanakomana waJoyaribhi, mwanakomana waZekaria, chizvarwa chaShera.
6Zvizvarwa zvaPerezi avo vaigara muJerusarema vaiva mazana mana namakumi matanhatu navasere vaiva varume voumhare.
7Vaibva kuzvizvarwa zvaBhenjamini vaiti:
Saru mwanakomana waMeshurami, mwanakomana waJoedhi, mwanakomana waPedhaya, mwanakomana waKoraya, mwanakomana waMaaseya, mwanakomana waItieri, mwanakomana waJeshaya,
8nevaimutevera vaiti Gabhai naSarai, vaiva varume vanosvika mazana mapfumbamwe namakumi maviri navasere.
9Joere mwanakomana waZikiri akanga ari mukuru wavo, uye Judha mwanakomana waHasenua, aiva pamusoro peDunhu reChipiri reguta.
10Vaibva kuvaprista ndeava:
Jedhaya mwanakomana waJoyaribhi naJakini;
11Seraya mwanakomana waHirikia, mwanakomana waMeshurami, mwanakomana waZadhoki, mwanakomana waMerayoti, mwanakomana waAhitubhi, mutariri weimba yaMwari, 12nehama dzavo, avo vakaenderera mberi nebasa retemberi, vaiva varume vana mazana masere namakumi maviri navaviri;
naAdhaya mwanakomana waJerohamu, mwanakomana waPeraria, mwanakomana waAmuzi, mwanakomana waZekaria, mwanakomana waPashuri, mwanakomana waMarikiya,
13nehama dzake vaiva vakuru vedzimba, varume mazana maviri namakumi mana navaviri;
naAmashisai mwanakomana waImeri,
14nehama dzake, vaiva varume voumhare, zana namakumi maviri navasere.
Mutariri wavo mukuru aiva Zadhidhieri mwanakomana waHagedhorimi.
15Vaibva kuvaRevhi ndeava:
Shemaya mwanakomana waHashubhi, mwanakomana waAzirikami, mwanakomana waHashabhia, mwanakomana waBhuni;
16Shabhetai naJozabhadhi, vari vaviri vaiva vakuru vavaRevhi, vari vatariri vamabasa okunze kweimba yaMwari;
17Matania mwanakomana waMika, mwanakomana waZabhidhi, mwanakomana waAsafi, mukuru aitungamirira pakuvonga nokunyengetera;
Bhakubhukia, aiva wechipiri paukuru pakati pehama dzake;
naAbhudha mwanakomana waShamua, mwanakomana waGarari, mwanakomana waJedhutuni.
18VaRevhi vaiva muguta dzvene vaisvika mazana maviri namakumi masere navana.
19Vachengeti vamasuo:
Akubhi, naTarimoni nehama dzavo, ndivo vaichengeta masuo, varume vaisvika zana namakumi manomwe navaviri.

20Vamwe vaIsraeri vose, navaprista navaRevhi, vaiva mumaguta ose eJudha, mumwe nomumwe panhaka yake.

21Vashandi vomutemberi vaigara pamusoro pegomo reOferi, uye Ziha naGishipa ndivo vaiva vatungamiri vavo.

22Mutariri mukuru wavaRevhi muJerusarema aiva Uzi mwanakomana waBhani, mwanakomana waHashabhia, mwanakomana waMatania, mwanakomana waMika. Uzi aiva mumwe wezvizvarwa zvaAsafi, vaiva vaimbi vari vabati veshumiro yeimba yaMwari. 23Vaimbi vaiva pasi pomutemo wamambo, waivataurira zvokuita zuva nezuva.

24Petahia mwanakomana waMeshezabheri, mumwe wezvizvarwa zvaZera mwanakomana waJudha, aiva mubati waMambo panyaya dzose dzavanhu.

25Kana iri misha neminda yavo, vanhu vokwaJudha vakagara muKiriati Abha namaruwa akaripoteredza, muDhibhoni namaruwa aro, muJekabhizeri nemisha yaro, 26muJeshua, muMoradha, nomuBheti Pereti, 27nomuHazari Shuari, nomuBheerishebha namaruwa aro, 28nomuZikiragi, nomuMekona namaruwa aro, 29muEni Rimoni, nomuZora, nomuJarimuti, 30Zanoa, neAdhurami nemisha yawo, muRakishi neminda yaro, nomuAzeka namaruwa aro. Naizvozvo vakanga vagere munzvimbo yose kuBheerishebha kusvikira kuMupata weHinomi.

31Zvizvarwa zvaBhenjamini zvaibva kuGebha zvakagara muMikimashi, neAija neBheteri namaruwa acho, 32muAnatoti, neNobhi neAnania, 33muHazori, neRama neGitaimi, 34muHadhidhi, Zebhoimi neNebharati, 35muRodhi neOno, nomuMupata weMhizha.

36Mamwe mapoka avaRevhi vokwaJudha akandogara muBhenjamini.

Copyright information for SnaBDSC